Numbers 34

Miganhu yeKenani

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi:

3“ ‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva, 4uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni, 5kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa.
6Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira.
7Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori 8uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi, 9wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro.
10Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefami. 11Muganhu uchadzika uchibva nokuShefami uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti. 12Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu.

“ ‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’ ”

13Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu, 14nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye nehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo. 15Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.”

16Jehovha akati kuna Mozisi, 17“Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni. 18Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika.

19“Aya ndiwo mazita avo:

“Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha;
20Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
21Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi;
22Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri;
23Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi;
24Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani;
25Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki;
26Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani;
27Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
28Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”

29Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani.
Copyright information for SnaBDSC